NHAU DZAKANAKA CHIIKO?

Zvakanaka kuti watoora mukana uno kuti ufungisise masoko ebhaibheri. Pamwe uri munhu unofungisisa nezvezvitenderano. Kuenda kukereke, kupira kubudikidza nenzira dzemadziteteguru (kana kuti tsika dzechinyakare). Tinoda kutenderana newe. Bhaibheri rino dzidzisa kuti Mwari anogara mumoyo memunhurume kana munhukadzi anoteerera shoko rake.Nzira dzekupira nadzo dzatinofanirwa kutevedzera nde idzo chete dzakataurwa muBhaibheri uye hazvisi zvinhu zvawanda kana kuti (zvinhu zvizhinji) asi kuti zvishoma.

Zvinoti kuombekwa (kubhabhatidzwa) uye kumedura chingwa svondo roga roga iri nzira yeku rangarira Mambo jesu ndizvozvi zviri zviviri zvihombe pane zvose.

Pamwe ungadai uri munhu anoda mwari muupenyu hwako, asi usingadi kuenda zvakadzikadzika. uye pamwe ichi ndiyo chokwadi yeva zhinji vedu vangango verenga matsamba ezvitenderano, kuuyakuzvidzidzo zveBhaibheri, kana kuva nenguva yekuuya kuzvidzidzo zvebhaibheri, kana kuva nenguva yekutaura nezvaro. Zvakanaka kuti tinotenda kuti mwari uriko, uye ichokwadi kuti unorarama (Mupenyu). Asi pane zvizhinji zvinoda kutsvakisiswa kubudikidza nekuverenga (kunyatsoongora magwaro) Bhaibheri, ndiyo chete nzira yatinogona kumuziva nayo, uye kuwa nechekuita muurongwa hwake huri maererano neupenyu husingaperi. Mangwaro akanyorwa nemweya wake kubudikidza nekufemera avo vanhu vakange vachinyora mangwaro (Bhaibheri) haasiri masoko evanhu, kufanana nemamwe mabhuku (mangwaro). Ndosaka zvakakodzera kuti tiriverenge.

Pamwe unofunga kuti unoziva zvose uye pamwe wakatarisa mubhaibheri ukaona zvose. Asi kana uri munhu akatendeka uchaziva kuti pane chimwe chiri kushaika. Pane kusainzwisisa uye kutya kuripo, kusainzwisisa maererano neremangwana redu. Kusainzwisisa ikoko kwakaita sembwa nhema inoteverera Varume ne Vakadzi kusvikira muguva. Zvino kwauri tati:zvipe zve umwe mukana wekuedza. Pamwe kududzira kunoita vanhu kungango kukanganisa mafungire ako nemaonere ako eBhaibheri. Saka zvakanaka kuti udzoke zve kuBhaibheri pacharo.

Pamwe ungangoona chikristu sechinhu chingada umhizha hunoda dzidzo, kana kuti imwe tsika yekungojairira kwenguwa iyoyo. Upenyu hwedu tine mukana mudiki kuti tive nemafungire akadai. Yeuka kuti rimwe zuva uchaiswa kana kana kuradzikwa muguva rako, rimwe zuva dambudziko rekupedzisira rerufu richa richakusvikira. Ipa Bhabheri mukana wakakodzera izvozvi. Ndapota ndiri kuitira iwe, zvipe kamukana kadiki keupenyu hwako kuti umbofungisisa kuti iro Bhaibheri rinombotaura nezvei.

Saka ndingabvunza mubvunzo wekuti ko chinodzi NHAU DZAKANAKA CHII? Ndapota zarura testamente Itswa kuna Mateu 1:1. Aya ndiwo mavambo a Mateu achitsanangura nezve nhau dzakanaka. Tinoverenga kuti: iBhuku renhoroondo yaJesu Kristu, mwanakomana wa Dhavhiti, mwanakomana waAbrahamu. Hazvisizvo zvatinotarisira kunzwa. Anoti Jesu ndewe rudzi rwa Dhavhiti na Abrahamu. Kubudikidza naMateu ndiko kutanga kwe nhau dzakanaka. Pauro akataurawo nenzira imwe chete yo. Ngatimbotarira kuna vaGaratia 3:8 “zvino rugwaro, ruchifanoona kuti Mwari aizoti vanhu vemamwe marudzi vakarurama nokuda kwokutenda, rwakafanozivisa mashoko akanaka kuna Abrahamu, okuti:marudzi ose achakomborerwa nokwauri”. Nekudaro nhau dzakanaka ndizvo zvitsidzo zvakapikirwa Abrahamu. Ndizvo zvinorehwa naPauro. Kana tichigona kunzwisisa kuti Mwari akapikira Abrahamu chii? tinogona kunzwisisa kuti Nhau dzakanaka chii. Zvino ngatidzokerezve kumashure kutestamente yekare, tione kuti Mwari akataurira Abrahamu chii. Ngatiende kuna Mavambo bhuku rekutanga rebhaibheri Mavambo 17:8 “Ndichapa iwe nevana vako vanokutevera nyika yauri kugara uri mutorwa, iyo nyika yose yeKenani, Kuti ive yako nokusingaperi, uye ndichava Mwari wavo”. Saka Abrahamu akataurirwa kuti iye nevana vake vachagara (kurarama) nekusingaperi pasi pano saka chipo cheupenyu husingaperi ipfungwa

inobva kutestamente yekare. Ziva zve zvekare kuti Bhaibheri rinotaura chinhu chimwe chete kubva kumavambo kusvika kumagumo. Sei izvi zvichidai? Ngatiende kuna Mavambo 22:17,18 “Chokwadi ndichakukomborera uye ndichaita kuti vana vako vave vazhinji senyeredzi dzekumatenga, sejecha riri pambenderekedzo yegungwa, uye vana vako vacha ita kuti gedhi revavengi rive ravo, chokwadi marudzi ose enyika achakomborerwa nekumwana wako nokuti wateerera inzwi rangu”.

Abrahamu aizova nemwana waizova maropafadzo emarudzi ose. Zvino kunzwisisa Bhaibheri ndiko kuziva kuti iro pacharo rinozvidudzira pacharo. Zvirno ndiani mwana waAbrahamu zvino aya manzwi atabva kuverenga tino mawana zve kutestamente itsva Mabasa evapositori 3:25,26 ngatiende ikoko tinzwe dudziro iri ikoko. “Ndimi vanakomana ve vaporofita nesungano iyo akaita kuna Abrahamu, mhuri dzose dzenyika dzichakomborerwa nokumwana wako”. Pashure pokumutsira muranda wake, Mwari wakatanga nekumutuma kwamuri kuti akukomborerei nokuita kuti mumwe nomumwe abve pamabasa enyu akaipa. Nekudaro ndiani mwana waAbrahamu? Jesu. Uye ndeapi makomborero anopiwa kuVarume ne Vakadzi vemarudzi ose? Makomborero ekurengererwa zvitema kubudikidza ne nekupiwa upenyu husingaperi. Ngatiende mberi kuna vaGaratia 3:16 ”Zvino zvipikirwa zvakataurwa kuna “Abrahamu” uye kumwana wake. Icho hachitauri chichiti kuvana sokune vazhinji vakadaro, asi sokune mumwe chete icho chinoti kumwana wako iye ari kristu. Saka mwana wa Abrahamu umwe chete kureva Jesu. Saka zvingaita sei kuti munhu umwe ave vazhinji senyeredzi dzekudenga? ngativerenge vaGaratia 3:27-29 ”Nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka kristu. Hapana muJuda kana muGiriki, hapana muranda kana munhu akasungwa, hapana munhurume kana munhukadzi nekuti imi mose muri munhu mumwe chete pamwe na Kristu jesu. Uyewo, kana muri vanhu vakristu, chokwadi muri vana vaAbrahamu vagari venhaka kana tichitaura nezvechipikirwa”. Saka vese vakabhabhatidzwa muna kristu vane chokuita pazvipikirwa izvi. Zvirimaringe neupenyu husingaperi panopasi. Ndosaka tichifanirwa kubhabhatidzwa kuti tigone kuponeswa. Pauro akati TARIRO yake itariro yaIsrael. Saka chinonzi rubhabhatidzo chiiko? Kumwaiwa mvura here? Testament Itsva yakanyorwa nerurimi rwechiGiriki uye inzwi raka shandurwa ”kubhabhatidzwa” rinoreva kunyudzwa. Raisevenzeswa kutaura Ngarava dzainyura kana kutaura machira aiyi nyudzwa mumvura ine mushonga wekuchinja ruvara (dye). Ngatimbotarisa kunaMateu 3:13-16 ”Zvino Jesu akabva kugareriya akaenda kuJorodhani kuna Johani kuti andobhabhatidzwa naye. Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti “ndini ndinofanirwa kubhabhatidzwa nemi, nei mava kuuya kwandiri”Achipindura Jesu akati kwaari “rega zvive zvakadaro nguva ino nokuti saizvozvo zvakakodzera kuti tiite zvose zvakarurama” Ipapo haana kuzomurambira Jesu paakabhabhatidzwa ipapo pakabuda mumvura ipapo ipapo denga rakazaruka vakaona mweya wamwari uchibva kudenga senjiva ukagara pamusoro pake. Jesu akaenda pasi mumvura akabuda. Akabhabhatidzwa ave munhu abve zera akanga asiri mwana mucheche akanyudzwa mumvura haana kuitwa zvekumwaidzirwa mvura kumeso, ndosaka zvakaitirwa kurwizi. Saka kana iye akabhabhatidzwa nesuwo tinofanirwa kutevera nzira imwe cheteyo. Kunyudzwa uku nekubuda mumvura zvino rangaridza kufa nekumuka kwamambo jesu. Ngatitarise vaRoma 6:3-5 kuti hamuzivi here kuti isu tose takabhabhatidzwa muna kristu Jesu taka “bhabhatidzwa murufu rwake” Naizvozvo takavigwa “pamwe chete naye” nerubhabhatidzo rwedu murufu rwake, kuti sokumutswa kwakaitwa kristu kubva kuvakafa nekubwinya kwaBaba, saizvozvo isuwo tinofanira kufamba muupenyu hutsva nokuti kana tava vabatana naye murufu rwakafanana nerwake, chokwadi tichabatanawo naye pakumuka kwakafanana nekwake. Ndosaka tichikukurudzira kuti ubhabhatidzwe-ichi ngachive chinangwa chako muupenyu hwako kutambira Jesu Kristu. Kubudikidza nekubhabhatidzwa muzita rake, tinofanana naye nekudaro zvipikirwa zvinechokuitawo kwatiri. Nekudaro kana avakudzoka tichamutswa, uye kutongwa, ndokunge tichinga tararama kuhupenyu hwakatendeka pamwe nekufadza mwari kubudikidza neshoko. Tichapiwa upenyu husingaperi kufanana neupenyu hwaari kurarama iye. Tobva tagara upenyu husinga peri muumambo hwake nekusingaperi pasipano. Kana uchitenda kune izvi nekudaro upenyu hwako hwave nemamwe maitiro matswa. Nyangwe tiine matambudziko ekushaya zvatingada muupenyu,tinozviona kuti ndezve chinguwa chidiki uye zvinhu zvichapera pakudzoka kwamambo jesu uchatipa upenyu husingaperi. Ndosaka tichitenda kuBhaibheri kubudikidza naKristu tine TARIRO chaiyo. Tariro iri mberi ihombe zvokuti matambudziko ari muupenyu hwatiri kurarama parizvino hazvingafanani.

Asi zvinoita sei kuti murume uyu Jesu agone kuti ponesa isu? Ndiye mumiririri wedu ndosaka tichifanira kubhabhatidzwa murufu nekumuka kwake nekuti wakanga akafanana nesu. Ngatitarise kuna vaHebheru 2:14-18 Naizvozvo “vana vaduku” vacho zvavanogoverana ropa nenyama, saizvozvowo iye akagovana navo zvinhu izvozvi, kuti norufu rwake aparadze uyo ane simba rekukonzera rufu iye dhiyabhurosi uye kuti asunungure vose vaya vakanga vari muuranda muupenyu hwavo hwose nokuda kwokutya rufu. Nokuti chokwadi iye haasi kumbobatsira Ngirosi asi ari kubatsira vana vaAbrahamu. Naizvozvo iasungirwa kuti ave sehama dzake muzvinhu zvose kuti ave muprista mukuru anengoni uye akatendeka muzvinhu zvinechokuita naMwari kuti ape chibairo chokuyananisira zvivi zvevanhu. Nokuti iye zvaakatambura zvaaiedzwa anokwanisawo kuyamurawo vaya vanoedzwa.

Tarira kuti Dhiyabhorosi haisi mhuka kana chimwe chinhu. Asi kuti inzwi rakasevenzeswa kureva chivi. Mubairo wechivi ndirwo rufu (vaRoma 6:23) asi apatino verenga tichinzwa kuti Dhiyabhurosi “anesimba rerufu” Tinofanirwa kurwisana nenyama yedu. Haiwa kurwisana nechinhu chatisingagoni kana kuti chiri kunze kwedu pasiri patiri. Vesi 14 inotaura chinhu ichochi kakawanda kwazvo-Iye pachake, nekudaro wakawawo nemuviri wakafanana newedu. Izvo Makristu Mazhinji vanedzidziso inoti kuna vaMwari vatatu umwe wacho vanoti ndi Jesu. Asi hazvisizvo zvinotaura Bhaibheri rinoti Kubva kuva Hebheru, izvi zvakanaka kuti tibve tava nenzwisiso yakanaka maererano nezva Jesu. Kuti wakanga ane muviri wakafanana ne wedu munyori kuvaHebheru wakadzokorora manzwi aya kanokwana karongomuna (kana) Kuti wakaedzwa kufanana nesu uye isuwacho tinomboedzwa Seiko? Kubudikidza nekuchiva kwenyama yedu. Ngatitarirei kuna Jakobho 1:13-15 “Paanonge achiidzwa munhu ngaarege kuti ndiri kuedzwa naMwari nokuti hapana munhu ungaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu. Asi mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa moyo anyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva kuchiva kwakura kunobereka chivi, chiviwo pachinenge chaitwa chinokonzera rufu. Izvi zvinoreva kuti Jesu akanga ane muviri wakafanana newedu, sezvo Mwari haagoni kuedzwa sezvinotaura Bhaibheri asi Jesu wakaedzwa tsamba kuvaHebheru iri kureva ichidaro. Jesu wakanga asiri Mwari pachake, akange ari munhu wo kufanana nesu ari mwana waMwari werudzi rwaDhavidhi naAbrahamu kubudikidza nekuzvarwa naMariya. Sezvo Mwari haangagone kuzvarwa, asi Jesu waka zvarwa, Mwari haagone kufa, asi Jesu wakafa, hatigone kuona Mwari, asi vanhu vakaona Jesu vakamubata. Jesu haana kurarama asati zvarwa. Mwana waMwari kubva nekuzvarwa na Mariya, ngatimbotarira kuna Ruka 1:31-35. “Uye tarira uchabata pamuviri Wobereka mwanakomana.” unofanirwa kumutumidza zita rokuti Jesu, uyu achava mukuru uye achanzi mwanakomana wewokumusorosoro, uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavidhi. Iye achava mambo paimba yaJakobho nekusingaperi, uye haazovi nemugumo hwoumambo hwake. Asi Mariya akati kungirosi yacho achiti “izvi zvingaitika sei? Ini zvandisiri kurara ne murume”. Ipapo ichipindura ngirosi yacho yakati” kwauri Mweya mutsvene uchaburukira pauri, uye simba rowokumusorosoro richakufukidza. Nekudaro ichochicheberekwa chichavawo chitsvene, mwanakomana waMwari. Tarisa kuti izvi zvaireva zvaizoitika. Uchawa Mwanakomana waMwari, Mariya aizobereka (kuzvara) kubva muchibereko chake uku ndiko kutanga kwaJesu. Nyangwe zvazvo pfungwa yaMwari yekuponesa marudzi ose kubudikidza nezita raJesu yakanga iri munaMwari kubva pakutanga. Tarisisa zvekuti Mariya akanga angoriwo mudzimai kufanana nemamwe madzimai vose. Jesu wakanga ari werudzi rwaAbrahamu naDhavidhi kubudikidza nekuti ndirwo rudzi rwaMariya. Kana Jesu ari Mwari kureva kuti Mariya ndimai vaMwari uye kureva kuti haana kufanana nemamwe madzimai. Nekudaro zviri kwatiri kuti totevera dzidziso yechokwadi here? kana kuti yemanyepa. Asi zvakanaka kutevera dzidziso yechokwadi nekuti izvi zvinechokuita nekutenda kwedu. Umbotarira vaHebheru 4:15-16 nokuti tine muprista mukuru, kwete asingagoni kutinzira tsitsi kusava nesimba kwedu asi akaedzwa muzvinhu zvose kufanana nesu asi iye akaramba asina chivi. Naizvozvo ngatiswederei norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa (ngoni) uye tiitirwe mutsa usina kukodzera kuti tiuwane kuti tibatsirwe panguva yakakodzera.

Nekuti Jesu akanga ane muviri wakafanana newedu, saka tinogona kunyengetera tiine kuvimba kubudikidza ndiye kuna MwariNekudaro hatidi muprista mumwe, kana Chiwakwa chekereke, kana kuti mufundisi kuti minyengetero yedu itambirwe.

MUCHIDIMBU NDAVA KUPATSANANGUDZO YEZVANDANGA NDICHITAURA

1. Kuti kuna Mwari umwe chete, havasi vatatu.

2. Jesu Mwana waMwari haasi Mwari pachake iye, haana kurarama asati azvarwa, uye kuti akaedzwawo kufanana nesu, uyezve akasanganawo nematambudziko akafananawo neatiri kusanganawo mukurarama kwedu, asi haana kutadza, uye akapa upenyu hwake kuti chive chibairo chikuru kubudikidza nerufu rwairwadza kwazvo, Nekuti haana kutadza Mwari akamumutsa kubva kuva kafa.

3. Kubudikidza nekubhabhatidzwa zvechitevera kunyudzwa mumvura kwemunhu abva zera tinobatana naye pakufa kwake pamwe nepakumuka kwake.

4. Nekudaro Jesu achidzoka tichamuswa, pamwe nekutongwa tobva tapiwa upenyu husingaperi muhumambo hwake hwuchavapano pasi. Humambo uhu huchaita kuti zvinhu zvidzokere zvazvakanga zvakaita kubindu reEdeni, apo Mwari akasika munhu wekutanga, Matambudziko ose ari panyika akafanana neHondo, Nzara, Kusuruwara, pamwe neRufu zvichava nemagumo azvo.

5. Kana tichinge tafa hapana chatichaziva, uye kuti “Gehena” zvino reva Guva.

6. Hapana chinhu chinorarama chiri patiri, asikuti takkaumbwa nedhaka “ibvu” uye tichadzoka kuibvu. Mweya isimba rehupenyu riri matiri iro Mwari anotora kana tichinge tafa, hakuna kwatinoenda kundorarama tiri tichinge tafa.

7. “SATAN” inzwi rinoreva huipi hurimumunhu kubudikidza nekuipa kana ruchiva hurimatiri, Haisi mhuka kana chimwe chinhu chinorarama. Mwari ndiye sama simba haana chidimbu chesimba rake ranopa “satan” matambudziko edu ose anobva kunamwari, Haabvi kuna satan nekudaro panenge pane chinangwa chihombe chinodiwa pakutenda kwedu.

8. Kubudikidza nekuverenga bhaibheri pachedu tinogona kuwana nzira yechokwadi yamwari.

Ndino kukurudzira kuti uverenge zvinhu izvi usazvipa zorororo kusvikira wava kuziva NHAU dzakanaka dzechokwadi. Ndinotenda zvekuti uchaverenga Kosi yedu yeBhaibheri inopiwa pachena, uye wozvipa tariro yekuti ubhabhatidzwe nerimwe zuva kubudikidza nekunyudzwa muviri wose mumvura. Ipapo uchava wave netariro yeupenyu husingaperi. Zvakanaka hatingagoni kufungidzira kuti ihwo hupenyu husingaperi hwa kamira sei? Asi kuti ndiri kungofungidzira kuti hwakango reba reba husina magumo, Husina kufanana neupenyu hwatiri kurarama izvozvi. Iyi ndiyo tariro yedu tichinge tabhabhatidzwa muna Jesu uye zve tikagona kurarama maari. Ndinokukurudzira zve kuti utore izvi zvose sezvakakosha usangozvitora sezve chitenderowo zvacho zvisina basa.


LEARN TO READ THE BIBLE EFFECTIVELY


FREE OF CHARGE

There is one Bible but many churches. We must all find out: What is the Gospel? We suggest that you need to read the Bible for yourself in order to find its true message. We believe that there is only one God, that Jesus is the Son of God, that He bore our nature and that we must be baptized by full immersion in order to benefit from His death and resurrection. Soon He will return to establish the Kingdom of God on earth (not in heaven). Please complete the application form (below) to receive a free booklet which will help you in your study of the Bible.




Name:_____________________________________________________


Address:___________________________________________________

______________________________Tel:_________________________


Language:

Send to:
Bible Basics, 49 Woodfields, South Croydon, Surrey CR2 0HJ ENGLAND

change language settings suitable for 800x600 display use full page width
Available languages:
free bible basics